Svetuka kuchirochemo

Motsi

Kubva Wikipedia
Dzokororo sekubva 13:30, 27 Kubvumbi 2012 na DSisyphBot (ereketa | zvinzatu) (r2.7.2) (Robot: Adding ta:1 (எண்))
1

Motsi kana kuti Chiposhi kana kuti Chimwe iri ivara rehuwandu, chiperengo chehuwandu, uyewo izita rechiperengo chinomirira huwandu uhu. Chinomirira huwandu hwechinhu chimwe chete. Motsi kana kuti chiposhi zvinorevawo pfungwa yokuva chikamu chimwe kubva muhumwe hunobva mumubatanidzwa hwezvinhu. So muenzaniso, chidimbu chemutsara chakareba nechikamu chimwe chehubatanidzwa hwehurebu (chezvikamu zvehurebu).

Muzvidzidzo zveMasvomhu, chiperengo chehuwandu ichi chinomirirawo zvinotevera:

  • pachinyakare, ichi chiperengo chohuwandu (ordinal number) chokutanga, kunyangwe zvazvo mazuvano maitiro anogamuchirwa noruzhinji ndeokushandisa chiperengo chehuwandu chinomirira kusavapo kwezvinhu, 0, saicho chiperengo chokutanga.